
Land Cruiser Prado yenhengo yeparamende Susan Matsunga wekuMufakose inonzi yadhumira zvakaomarara pamadziro edurawall sezvo mutyairi ange achimhanya zvakaipisisa.
Chiitiko ichi chakaitika mangwanani eSvondo pakona yemugwagwa yaMutufu naMukumba kuMufakose.
Mwanakomana wehanzvadzi yaMatsunga, akange otozivikanwa nekutyaira zvakanyanyisa munharaunda.