
Ambuya vaive nehuturu avo vaisanzwisisana nemukuwasha vakamudzvanya mabhora ake,vakamuzhaka zvakaomarara kuchiso vasati vabata chitirobho chokurova muviri wose.
Nyaya iyi yakatanga mangwanani.Mlibazisi Ndlovu akabuda mumba akananga kunonwa hwahwa neshamwari dzake,akafunga kuti huturu hwaive naambuya vake hwaive hwapera sezvo vaive vanetsana mangwanani.
Ko aizivei hake Ngwenya kuti Ambuya vaive vakamumirira kechipiri.Ngwenya paanosvika pamba kuma 10 husiku uri musi weMuvhuro,Ambuya vake vakasiya gumbeze vakananga kumukuwasha wavo kwakusvikodhonza mabhora zvine simba.
Havana kungomadhonza chete asi vakabva vamamonyorora izvo zvakaita kuti rume guru rizhambe.Ambuya Havana kumirira ipapo vakatanga kuzhaka mukuwasha nezvibhakera kumeso uye vakamurova zvakasimba nechitirobho,anodaro muvakidzani aivepo.
Achinzwa ruzha rwaNdlovu,muvakidzani akamhanya pachiitiko ichi akabata Ngwenya uyo ainetsana nemukuwasha wake.Zvakange zvisisabatsire nokuti mukuwasha waNgwenya aive atokuvadzwa kare akazara ropa patrousers.
Nyaya yakaripotwa kuPumula Police Station zvikatungamira mukusungwa kwaNgwenya.