
MUDZIMAI wekuRaffingora, kudunhu reMashonaland West, anoti iye nemhuri yake vakasara vava varombo vekugumisira apo vakatorerwa mombe dzavo dzose nehama dzemurume uyo akashaya. Mai Dadirai Nyamhandu (53), vemubhuku raMarare, papurazi reKatawa, vanoti vakafirwa nemurume wavo kupera kwemwedzi waKubvumbi gore rino, ndokunomuviga kumusha kwavo, kwaMajinga, kuMahuwe.
Vanoti chimwe chishamiso chakaitika parufu urwu ndechekuti rimwe rokwe ravo rakatorwa vasingazive, ndokuiswa mubhokisi raiva nechitunha, rikavigwa nemurume wavo anova mutorwa.
Vanoti murume wavo ange akatenga mombe ndokunodzichengetesa kuhama dzake kumusha makore gumi nemashanu akadarika, idzo dzose dzavanonzi vakazorambira nadzo pakafa murume wavo. “Murume wangu ainzi Sam Mupeyami (61) akarwara tiri kuno kupurazi tikazoenda naye kumusha uko akazofira nemusi wa25 Kubvumbi,” vanodaro Mai Nyamhandu.
Vanoti ivo sevanhu vaisagara kumusha, pavakapihwa mari yavo papurazi pavaishanda vakanotenga mombe kumusha idzo dzinochengetwa nehama yemurume uye dzawanda kuzvika 15.
Vanoti murume wavo afa, vakarara vachichema vose nevamwe asi mangwanani ezuva rakatevera vakadzingwa nevamwe babamudiki vavo vanonzi Bande Mupeyami (45) nechikonzero chavasina kuziva. “Ndakatombodzingwa parufu rwemurume wangu ndokuenda kumusha kwehanzvadzi yangu inogara munzvimbo imwechete iyi. Ndakazodzoka kurufu nehanzvadzi yangu vana vangu vauya tikachema murume wangu tikamuviga,” vanodaro Mai Nyamhandu