
President Cyril Ramaphosa vachitaura nevama Bhuzinesi vanoti vava nehurongwa hwokuona kuti vangavaka sei nyika iyo yakaparadzwa nevanhu vairatidzira vachipwanya zvinhu sehurongwa hwavo hokuti vaZuma vaburitswe Mujere.
Mutungamiri weNyika vaCyril Ramaphosa vakaudza vezvemabhizimusi kuti vanokoshesa kudzoreredza grocery rakabiwa nemakororo nekuchengetedza kugadzikana Munyika, kuwana zvekushandisa zvakakosha, kupa ruyamuro nekukasika kana nyika yasangana nezvimhingamunyu zvakaita saizvozvi zvakare.
“Hapana kana chikamu chehupfumi chisina kukanganiswa nemhirizhonga iyi, zvinhu zvose zvakavhiringidzwa nenjodzi iyi,” akadaro Ramaphosao nezuro manheru.
Mutungamiri wenyika aitaura kuvakuru vakuru makumi mapfumbamwe nevatungamiriri vezvemabhizimusi avo vakavhiringwa nemhirizhonga yakaitika svondo rapfuura, kunyanya kuGauteng neKwaZulu-Natal.
Vanoti, the affect the disruption, destruction and looting should not be understated as KZN and Gauteng account for 50% of the GDP and are home to 45% of all SA’s citizens.
Vachitaura zvinehudzamu vaRamaphosa vakati hurongwa hwekuratidzira uhu hwakaitwa nevanhu vaiva vainehurongwa hwekuparadza hupfumi hwenyika kwete kuti vaipikisana nomutongo wakapihwa vaZuma.
“Patakaona izvi zvichiitika Munyika takakwanisa kudzikamisa mhirizhonga iyi tichishandisa hutsi hunotosvora maziso nemvura inemhiripiri vanhu ndokubva vadzikama.”