
Chief Gutu varayira Josiah Madziva wekuMbirikira village muThornhill Farm kuti aripe nemombe shanu dzinotsika mushure mokubatwa nemhosva yokutorera muvakidzani wake mukadzi.
Madziva anonzi akange odashura sinhi romukadzi waDavid Mtizwa.
Imwe nguva mwedzi uno waNyamavhuvhu,Madziva nomukadzi waMtizwa vakabatwa yakanwa mumba maMtizwa. Vakabatwa naDavid nemukoma wake.
Pavakabatwa, Madziva akaudza Mtizwa kuti aive auya kuzopihwa mvura yohutsvene sezvo mukadzi wake aive muporofita.
Pachipihwa mutongo, Chief Gutu vakati Josiah Madziva aive nehutsinye uye aifanira kupihwa mutongo unorwadza chose nokuda kwemaitiro ake akaora.
Chief vakaona kuti humbowo hwakapihwa hwaitaridza kuti Madziva nemukadzi waMtizwa vaive vatobvira kare uye pakatove nemwana.
Kutaura kuno Madziva nemukadzi waMtizwa vakatotiza mhosva yavo.