
Hupenyu hwezvizvarwa zvomu Zimbabwe huri panguva yakaoma zvichitevera hutsinye hwakaitwa ne America nezuro payakatowedzera zvayo Zvirango Zvohupfumi negore rimwechi, vachitotaura zvavo vaJoe Biden hanzi izvoni, “we have renewed Zimbabwe’s sanctions by a 1 year more again.
Kurinyuwa zvirango zvehupfumi uku kwakauya mushure mokunge America yabhoikane ichiona video munhu achiuraiwa kuKwekwe nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve Zanu-PF.
Nokuda kwechiitiko choku Kwekwe Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vabva vawedzera negore zvirango zvakatamerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakuru muhurumende mavo nemauto nenyaya yavari kupomerwa yekutyora kodzero dzevanhu.
Mumashoko kudare reCongress kuti riwedzere zvirango izvi, VaBiden vati: “Gore rose rapera vanoona nezvekudzivirirwa kwenyika yeZimbabwe, mapurisa, nevasori vange vachimbunyikidza vanhu uye kuita mhirizhonga yakananga nemapato anopikisa, vamiriri vevashandi uye vatori venhau.”
Vaenderera mberi vachiti, “Kushaikwa kweshanduko inoremekedza mutemo, hutongo hwejekerere, uye kodzero dzevanhu kuri kusiya vana veZimbabwe vari panguva yakaoma uye zvave kukonzera kusagadzikana kwedunhu rekuchamembe kweAfrica.”
Asi hurumende yeZimbabwe inoti yakatemerwa zvirango nekuda kwekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.