
Pakave neshura pabhawa husiku kuHighfield mushure mekunge musoja anonzi akafira mumaoko epfambi.
Nhau dzekufa kwaJulius Tichawana dzakanzwika nemusi weMuvhuro mangwanani mushure mekufungidzirwa kuti vakasangana nemukadzi wehusiku, akangozivikanwa saKimberly, kuClub Saratoga paMachipisa Shopping Centre muHighfield.
Pfambi,Kimberly haana kure kwaakaenda akabva atosungwa ipapo ipapo uye ndiye akazonoratidza mapurisa kwaakapondera munhu uyu.
Kimberly anotarisirwa kumira pamberi pemutongi wedare achitongwa mhosva yekuponda iyi.
Yaaa vane mukonyo masoja.waida kutsotsonya mahara 😂😂😂😂wakasangana nevasingaiwe iyoyo wakamama.