
Mukadzi wekuChinhoyi uye aive aenda kuChikuti kutrip yebhizimusi rake akarohwa zvakaomarara mushure mokubatikidzwa achidashurwa sinhi nomurume wemunhu.
Nyakurova Noreen Kadakure,23 wekuD Troops Shopping Centre muChikuti akamira pamberi paChinhoyi Provincial Magistrate Melody Rwizi achipomerwa mhosva yokurova zvakaomarara Bernadette Nyoni, 28, wekuSQ S1 Alaska Mine, Chinhoyi.
Kadakure akaonekwa nemhosva uye akanzi abhadhare $15 000 yefaindi kana kugara mazuva makumi matatu muchitokisi.
Akamhan’ara chiitiko ichi ndiNyoni.
Nyasha Sibesha akaudza dare kuti musi wa26 Chikunguru paD-Troops Shopping Centre, Nyoni aitengesa nyama pakasvika Kadaure neshamwari dzake ina.
Kadaure akabvunza Nyoni kuti sei aidanana nemurume wake asi Nyoni akaramba anyerere akaenderera mberi nokutengesa nyama.
Hazvina kufadza Kadaure uyo akabva atotanga kurova Nyoni pakarepo.Akarohwa zvakaomarara akasiiwa aine mavanga.Nyoni akanoripota nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Kadaraure asungwe.
Nyoni akarapwa kuChinhoyi Provincial Hospital.