
Imwe pfambi yekumaAvenues yakaronga nataxi driver neimwe mbavha vakabira murume uyo aive amukecha. Vakamubira motokari Jeep Wrangler nezvimwewo zvaive mumotokari.
Eva Mudzamiri akabatana naColle Kabvumbi, Edmore Round uye Nijel Kalumbu kubva kuCBD kuenda kuGlen Lorne.
Vatatu ava vakamira pamberi pedare vachipomerwa mhosva yokuba motokari.
Havana kukumbirwa kuti vateterere pamberi pedare pavakamira pamberi paMr Dennis Mangosi avo vakavati vanofanira kubhadhara bail.
Musi wa23 pakati pahwo husiku, vatatu ava vaive muToyota Wish neToyota Fun Cargo apo vakaronga kubira Kalumbu. Vakavharira Kalumbu mugwagwa munzira yeArcturus Road pedyo neChikurubi.
Kalumbu akatoona kuti paive pashata akakwanisa kutiza akanange kuKamfinsa shops uko akaudza shamwari yake chiitiko ichi, Desmond Makova.
Kalumbu paakasvika pagedhi yeshamwari yake ndipo akavharirwa neToyota wish. Akange asina imwe nzira kunze kokutiza nehupenyu hwake. Vatatu ava vakabva vatowana mukana wekuba motokari yaKalumbu. Kushata kwazvo akatozira mumotokari yemakororo aya akarohwa zvakaomarara.
Kalumbu paakasiiwa akabva amhanyira kumapurisa kunoripota nyaya yawo. Matikitivha akatotanga kuita basa rawo zvakatungamira kusungwa kwevatatu ava.