
KEDIBONE Moloi ane makore 42 okuberekwa akange ave nenguva yakareba achitsvaga basa, uye kutanga kwemwedzi wadarika mhanza yake yakaita seyashanduka. Asi tariro yake yakakurumidza kuparadzwa apo akaudzwa maidi oupenyu.
“Pasina bonde, hapana basa,” anonzi akaudzwa.
Kedibone Moloi anobva kuVereeniging, kuVaal, akati nemusi wa11 Zvita akaenda kunzvimbo inotenga nekutengesa motokari munzvimbo iyi kunosiya CV yake. Akashevedzwa kuinterview zuva raitevera.
“Kudeedzwa ku-interview kwakanakisa. Ndaiita kufara zvisingaite!” akati.
Akataura kuti vaibvunza vakamufarira, asi hapana chimwe chaakazonzwa.
Akafonera maneja musvondo rekutanga remwedzi uyu, uyo akamuudza kuti zvaiita sezvakanaka. Manager vakabva vatanga kutaura naye paWhatsApp vachikumbira kumuona.
“Ndaifunga kuti aida kundiudza mashoko akanaka iye pachake. Ndakarwadziwa chaizvo paakakumbira kuita bonde neni,” akadaro.
Akabvunzawo kuti anofarira mac0nd0ms api, uye kana aine mudiwa wake.
“Ndaifunga kuti maneja ari kundigadzirira nzira yekuti ndive mushandi, asi ndakanganisa.”
Akamubvunza kuti sei akanga achimuitira izvozvo, uye akati aimuda zvakaipa.
“Ndinovenga kuti izvi zvave chiyero muSouth Africa.
“Ndinoda kuti vatungamiri vose vanotyisa ava vadzidze chidzidzo kubva pane izvi,” akadaro.
Kunyangwe zvake akazotadza kuwana basa iri, akati zviri nani aende zvake nechiremera chake.
Daily Sun yakataura nemukuru wefranchise, Shane Kruger, uyo akati vanga vasingazive nezvenyaya iyi, asi vakagadzirisa nyaya yacho nekukurumidza.
“Ndinokutendai nekuunza nyaya iyi kwatiri. Isu tinotora serious nyaya dzose dzǝkushungurudzwa pabonde. SeHyundai Vereeniging, takazvipira kuona nzvimbo yakachengeteka. Mukuru wedu weHR achatungamira ongororo,” akadaro Kruger.
By Tete Jolah Msalad