
MURUME wekuBikita, kuZaka, mudunhu reMasvingo — uyo ava nemakore 11 achirarama nehutachiona hweHIV — anoti haasisina rugare zvichitevera kushungurudzwa kwaari kuitwa nemukoma wake uyo akamudzinga pamba zvekuti ava kungogara panzvimbo dzisina kuti tsvetere muguta reHarare.
Kufa Murambiwa (39) anoti aigara achirohwa, kutukwa nekunyimwa chekudya nemukoma wake (zita tinaro).
Anoti mukoma wake uyu akambopika jeri kwemakore manomwe uye paakadzoka kubva kujeri akamudzinga pamusha nokuda kwekutya kuti anozotora nhaka yemusha sezvo ari iye gotwe mumhuri mavo.
“Amai vangu vakashaya mumwedzi waKubvumbi gore rapera, ndipo pakasara poita hondo huru apo mukoma wangu akabuda mujeri achiuya kumusha.
“Iye anoziva kuti setsika yedu yechivanhu, gotwe ndiro rinosara pamusha ivo vakuru vachifanira kuenda kunovaka kwavo.
“Saka aigara achindirova nezvibhakera, pamwe pacho ndikapotswa nefoshoro mumusoro. Ndipo pandakazopata musha ndava kutizira kuHarare,” anodaro.
Murambiwa anoti muHarare ari kungogara padzimba dzeshamwari idzo dziri kumuchengeta kwekanguva kadiki.