
Mutumbi wemwana achangozvarwa waonekwa uchidyiwa nembwa muShamva, mudunhu reMashonaland Central svondo rapfura.
Mapurisa paudzwa nyaya iyi akakwanisa kubata amai vacho Happiness Kandunduma (25) avo vamonera mwana nesaga ndokumukanda panzvimbo inorasirwa marara kuShamva.
Mutauriri wemapurisa anomirira Mashonaland Central, Naison Dhliwayo, atsigira nyaya iyi.
“Ndinotsigira kusungwa kwaKandunduma uyo azvara mwana musikana ega musango ndokumuputira musaga asati amurasa. Chitunha chemwana chawanikwa naAnna Nyaude. Aona imbwa ichidya mutumbi wemwana uye amhan’ara kumapurisa. Mapurisa aita ongororo yenyaya iyi ndokusunga amai vemwana, ”vadaro VaDhliwayo.
Mapurisa araira vanhu kuti vakoshese hupenyu hwevamwe.
“Vanhu vanofanirwa kukoshesa hupenyu uye vanofanirwa kunzwisisa kuti mwana chikomborero chinobva kuna Mwari kwete kubva kumunhu.Kana munhu ane zviri kumunetsa anofanira kutsvaga rubatsiro.”
Zvakaoma zvirimukurarama vanhu avachakoshesani kubviro rasa mwana hre