
Vaimbove mutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo varikudhonza Jere rinorwadzwa vaisa chikumbiro chavo chokuti vambobudiswa muJere vanoviga hama yavo vaMichael Zuma KwaZulu-Natal nhasi Thursday 22 July.
Mutauriri weDhipatimendi reCorrectional Services, Singabakho Nxumalo akaudza Bloomberg parunhare nezuro Chitatu achiti VaZuma vaisa chikumbiro ichi kuti vakwanise kuenda kumariro.
VaZuma vari mutirongo kubva musi wa8 Chikunguru mushure mokunge varamba kupa humbowo pamberi peZondo Commission iri kuongorora mhosva yavakapara panguva yavaimbove mukuru webato reANC makore apfuura.
South African Prisoners Organisation for Human Rights yati VaZuma vane kodzero yekuenda kumariro ehama yavo yavo.
Mutungamiri wesangano iri, VaGolden Miles Bhudu, vati vaimbove mutungamiri wenyika vanofanirwa kubatwa sevamwe vekuSouth Africa uye kupihwa mvumo yekuviga vadikani vavo.
VaBhudu varikupikisane nedanho iri vachiti VaZuma pavanongoenda pamberi pevanhu zvinogona kukanganisa kusagadzikana kuri munyika umu. Bhudu akati:
South African Council of Churches (SACC) yati zvakakodzera kuti VaZuma vaende kumariro emukoma wavo. Secretary-general weSACC, Bishop Malusi Mpumlwana, vatiwo pane hurongwa zvakare hwekupa mhuri yaVaZuma rutsigiro rwefundiso uye nekupangwa mazano.