
Mukadzi ane makore makumi maviri wekuChitungwiza akatanga kuzvimba dumbu mushure mokunge abva kusununguka.
Anesu Huche wekuUnit A kwaSeke akazvara gavamwedzi muna 2019 uye akaita dambudziko izvo akazopedzisira akuzvimba dumbu.
Amai vemwana ane makore maviri ava vanogara vari muchipatara.Ndane makore maviri ndichirwadziwa kubva dumbu rangu razvimba muna 2019 mushure mokuzvara gavamwedzi,anodaro Huche.
Kubviswa mvura iri mudumbu mangu ndiko kuri kundishungurudza zuva nezuva.Hanzvadzi yangu haichawane mari yokuti ndirapwe.
Ndiri kutsvaga rubatsiro sezvo hanzvadzi yangu yange ichiedza nepose painogona kuti ndirapwe kubva 2019.
Dumbu rave kutowedzera kuzvimba uye ndakajamba zvikamu zviviri zvokurapwa,anodaro Huche.