
MURUME anogara mumusha weBudiriro 5B, muHarare, anonzi akawanikidzwa nguva pfupi yadarika ari pamba pemuvakidzani wake achiitira weti mumigomo nemumadhishi ainge aine mvura yekunwa neyekugeza.
Mashura aya anonzi akaitika panhamba 13067 panova pamba paVaNhamo Mazikana (45) nemudzimai wavo, Mai Molline Raisi Mazikana (35). VaAndrew Chinyani (51) ndivo vanopomerwa kuti vakaitira weti mumigomo, mabhaketi nemumadhishi azere mvura aMai Mazikana.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nezvenyaya iyi. “Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa edu ekuBudiriro nevaridzi vepamba apa, asi yakazogadziriswa nemapurisa edu anodyidzana neveruzhinji ikoko,” vanodaro Insp Chazovachii.