
GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti vakazvipira kubatsira vanasikana manyatatu vane gore rimwe chete rekuberekwa vekwaMarange mushure mekunge varambwa nababa vavo avo vaida kuvatengesa kunyika yeSouth Africa.
Sen Mutsvangwa vakavimbisa kubatsira vana ava nezvose zvinodiwa mukurarama kwavo zvinosanganisira chikafu nemapukeni.
Amai vevana ava, Muzvare Olinda Maphosa, vakagumisira vatiza kuSouth Africa uko vaigara nemurume wavo, Obey Mucheke, apo akanga ava kuvatyisidzira nerufu mushure mekunge varamba kutengesa mumwe wevana ava vachibva vadzoka kumusha kwavo kwaMarange.
Rubatsiro rwaSen Mutsvangwa rwakabata mwoyo yevanhu vazhinji vaive pagungano rezviratidzwa reZANU-PF Women’s League small interprises exhibition panzvimbo yeBazeley Bridge svondo rapera.
Muhurukuro, Muzvare Maphosa vanoti mushure mekusununguka manyatatu aya, murume wavo akati vanofanirwa kutengesa mumwe wevana ava achiti pakange pasina mwanakomana izvo vakaramba.
“Murume wangu akati nditengese mumwe wevana vangu achiti haakwanise kuchengeta vana vasikana vose vari vatatu asi ini ndakazviramba kutengesa vana vangu chinova chikonzero ndakazotiza ndichiuya kuno. Handina ruzivo rwekuti akanga achida kutengesera ani mumwe wevana ava asi aingoti anokwanisa kutsvaga makasitoma anotenga muSouth Africa imomo.
“Pandakaramba kutengesa mwana, akabva ati haachina rubatsiro rwaachandipa mukuchengeta vana ava vose,” vanodaro.
Muzvare Maphosa vanoti vakaroorwa naMucheke mushure mekusangana naye kubhuku rekwaRukangare pedyo neChecheche growth point, kuChipinge vachibva vazoenda vose kuSouth Africa.
Sen Mutsvangwa vanoti: “Varume havafanire kufunga kuti vanasikana havana kuenzana nevanakomana. Ndarwadziwa zvikuru kuti murume uyu aida kutengesa mwana nekuda kwekuti musikana, kuda kutengesa mwana asina mhosva.
“Ndinofara nokuti mudzimai uyu akazviramba uye ndicharamba ndichimutsigira nezvose zvinodiwa semanapukeni, mukaka nebota kuti vana ava vararame. Ndichavatsigira zvakare kuti vawane dzidzo yakanaka apo vanozoenda kuchikoro.”