
Mwana wechikoro akanyora bvunzo dzake DzeOrdinary level mugore ra2020 ari kuvhundutsira vanhu veZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) achiti anoda kuvaendesa kumatare edzimhosva nekuda kwekumunyima zvaakawana paMathematics nekuda kwekubiridzira.
Ashley Mutandwa, uyo akanyora
bvunzo dzake paIntellect College gore rakapera asi haana kukwanisa kuwana maresults ake nokuda kwekunyunyuta kwakaita vanhu veZIMSEC nokuti anga akapasa bepa rokutanga asi rechipiri anga akafoira zvisingaiti
Alex Majachani weAlex F & Associates akanyorera Zimsec achityisidzira kuenda kuDare Repamusoro kana humbowo hunoratidza kuti mwana uyu akabiridzira husina kuburitswa sezvo ZIMSEC yakasarudza kutaura neCollege munyori webvunzo asipo.
“Zimsec yakasarudza kutora nzira isina kufanira mukuita hurukuro neCollege uko kodzero dzemwaana wechikore dzirikutyorwa pasina humbou huripo.
Munyori webvunzo anoti kodzero yake yakatyorwa neve ZIMSEC zvisiri pamutemo.
VaMajachani vakapomera Zimsec nemhosva yekutyora Administrative Justice Act mushure mekuzivisa College nezvenhau iyi vakaendesa kumapurisa vasina kunzwa divi.
Majachani akabvunza chikonzero, Zimsec yakataura zvine mutsindo kuti munyori webvunzo akapasa zvakanaka mune rimwe bepa, ndokuzofoira zvakaipisa mune rimwe bepa.ZIMSEC yakanzi inofanira kuva nehumbowo hwakakwana hunoratidza kuti munyori akabiridzira. Vakapihwa mazuva 10 ekuti vange vava nehumbowo
Zimsec haisati yapindura zvido izvi.