
Murume wekuBindura,Munyaradzi Njanji (23) ari kurwira hupenyu hwake muchipatara mushure mokurohwa zvakaomarara nehanzvadzi dzomusikana wake.
Hanzvadzi dzemudiwa wake dzakasungwa uye vari kupomerwa mhosva yokuda kuuraya.
Mashonaland Central police spokesperson,Assistant Inspector Naison Dhliwayo vakatsigira kusungwa ukwu.
Ndinotsigira kusungwa kwevakoma vana ava Simbarashe naTafadzwa Shereno,avo vakarova Njanji zvakaomarara mushure mokumubatikidza achiita lula lula nehanzvadzi yavo,anodaro Dhliwayo.
Tine vapari vemhosva vana kubva kumba kwanaShereni,Tinashe,Lloyd,Simbarashe naTafadzwa uye tichiri kutsvaga Tinashe naLloyd ,anodaro Dhliwayo.
Zvinonzi mukadzi waNjanji akanzwawo runyerekupe urwu rwokuti murume wake ange achiita lula lula naFungai.Mukadzi waNjanji ndiye nyakutuma vakomana vana ava kuhondo.