
Murume anogara muHarare akaendeswa kudare nezuro mushure mekuenda kumba kwemukadzi aimbo wake nemuni’ina wake achivatsyisidzira kuvauraya.
Tendai Gwarimbo (40) akaendeswa pamberi paHarare magistrate Isheanesu Matova akamuisa mujeri kusvika musiwa 25 August.
Mumhan’ari wekutanga aive Patience Maenzanise (33) uyu aimbove mukadzi waGwarimbo.
Dare rinonzwa kuti musiwa July 31, munguva dza10 pm, Gwarimbo akaenda panumber 33 Hopely Road kuGreendale ndiko kwaigara Maenzanise akakwira pamusoro pedurawall akapaza gonhi reFrench achishandisa zvidhina kuti awane kupinda.
Paakapinda mumba, akatora banga akatyisidzira Maenzanise akariisa muhuro asi akakwanisa kutiza.
Mumhan’ari wechipiri Julian Maenzanise uyo akabatwawo nhapwa naGwarimbo achimutyisidzira kumuuraya akabata banga kumutsipa wake asi akakwanisa kutiza ndokuzvivharira mubhedhuru rake.