
Mumwe mupurisa anogara kwaRusape anonzi akachinja hofisi yechiteshi yeNyazura Police Station kuti ive imba yehondo apo akarwisa mumhan’ari nebanga achida kumumisa kubva kumhan’ara mhosva yokumurova.
Constable Greenmore Rwambiwa (35) vekuZRP Rusape Central vakabva vasungwa vakaiswa mutirongo.
Vari kutarisana nemhosva yekuedza kuponda.