
Muchinyakare chedu imhosva hurusa kuti baba nomwanakomana wavo vachere mutsime rimwe kana kuita zvebonde nemukadzi mumwechete.
Murume wekuGokwe akaita chinhu chinosvodesa zvikurusa apo akagara nhaka mudzimai wababa vake uye aive wechipiri akatanga kuita zvebonde naye.
Killen Majaji wekuMajaji village nemudzimai wababa vake wechipiri Plackie Duma vakapata musha mushure mokunge hana dzavo dzaroverana.
Hushamwari hwevaviri uhwu hwakabuditswa nemudzimai hwaMajaji uyo aive ogara nenzara yebonde uku murume achinakirana naDuma kumba kwake husiku hwoga hwoga.
Mudzimai waMajaji uyo akaona zvisina kukodzera kuti amwene vake vaite bonde nemurume wake,vakabvunza kuti sei vaidaro hondo ikatomuka. Nyaya yakaendeswa kumapurisa.
Nyaya yakasvika zvakare kudare raChief Nemangwe izvo zvakaita kuti vaviri ava vadanwe.
”Ndanzwa nezvenyaya iyi uye ndadeedza Kilen Majaji naPlackie Duma kudare.Zvinhu zvisingatenderwi pachinyakare chedu kuti mwanakomana anorara nemudzimai wababa vake”, vanodaro Chief.
Shoko rakasvika munzeve dzangu zvichinzi Majaji akarova mudzimai wake mushure mokubvunzwa nezvenyaya yakakomba iyi.