
Mapurisa asunga murume wemusikana ane makore gumi nemana uyo akafira kwaMarange Apostolic kushrine kuBocha apo aisununguka. Zita romusikana uyu chairo ndiAnna Machaya kwete Memory Machaya somafambiro ari kuita nyaya.
Muchinyorwa, mapurisa anoti asunga Hatiraramu Momberume (26) nokubata chibharo pasi pechikamu 70 of the code. Mapurisa anotenda veruzhinji nokuvapa nguva yekutsvagurudza nyaya yorufu rwaMemory Machaya uyo akafira kuMafararikwa Village kwaMarange.
“Musikana akafa achisununguka anonzi Anna Machaya, uyo akazvarwa musi wa5 Chikunguru kwete Memory Machaya uyo akazvarwa musi wa2 Kukadzi 1999. Ichokwadi kuti Anna Machaya akafa achisunguka musi wa15 Chikunguru akavigwa pashrine mushure mokutadza kusununguka”, chinyorwa chinodaro.
Mapurisa anoti vabereki vemufi vaedza kubuditsa chokwadi vachishandisa chitupa chaMemory Machaya uyo ane hukama hwepedyo.
Mapurisa ari kupishana pfungwa nababa vaAnna Machaya, Edmore Machaya (45) naAmai Shy Mabika (36) for obstructing or defeating the course of justice. Vabereki vakanyepa pachena kumapurisa kuti Anna Machaya akazvarwa musi wa2 Ndira 1999. Amai vakaenderera mberi nokupa mapurisa chitupa chokuratidza kuti aive akazvarwa musi wa2 Ndira 1999.Aive manyepo.Tsvagurudzo inotaridza kuti chitupa ndechehama yemushakbvu uyo anova mwana waEnesrt Machaya.Enerst Machaya ndisekuru vemushakabvu.
New updates of story coming soon. . . Stay tuned