
SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu – George “Mastermind” Shaya – ashaya. Ange ave nemakore 77 okuberekwa.
Vakawanda vanoziva Shaya achitambira chikwata cheDynamos nechenyika cheZimbabwe Warriors. Shaya ashaikira kumba kwake kuGlen Norah, muguta reHarare.
Chikwata cheDynamos FC chinotsinhira nezverufu rwaShaya paTwitter apo chatumira mashoko chichizivisa veruzhinji. “Gamba raenda. George “Mastermind” Shaya ashaya ava nemakore 77. Shaya akahwina mubairo weSoccer Star of the Year makore anoti 1969, 1972, 1976 na1977.
“Ndiye aive sachigaro weDynamos apo yakasvika kufainari yeChampions League mugore ra1998,” inodaro Dynamos.