
President Emmerson Mnangagwa vawedzera mazuva elockdown palevel 4 sezvo vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid 19 vanoramba vachiwanikwa uye vamwe vari kufa.
Vabereki kana vachengeti vari kukurudzirwa kuzobatsira hurumende panhau dzezvokudzivirira nemaPPE kuti zvikoro zvivhurwe.
Nyika yange iri palevel 4 yelockdown mwedzi wose uno.Pachitaurwa nezuro, Minister Monica Mutsvangwa nezuro vakati zvikoro zvoda kuvhurwa saka vabereki vanofanira kubatsira hurumende pakuchengetedza vana.
Sezvo nyika yogadzirira kuvhurwa kwezvikoro,vabereki nevachengeti vanofanira kubatsirana nehurumende panyaya dzePPE nezvimwewo zvinodiwa nevana, Mutsvangwa anodaro.
Mutsvangwa anoti sezvo macases oti dzikirei zvakakosha kuti vana vavhure zvikoro.