
Kune vaya vanga vakamiririra nguva iya yasvika. Batai mafoni enyu muenda paJolas WhatsApp Group +263787876754 muone zviri kutora nzvimbo kuWhite City Stadium nhasi pane securtiy yakaoma.
Nhasi zviri kuratidza kuti maShurugwi vanhu vanofungidzirwa kuti vanenge vatumwa neZANU PF havapindi ikhokhai chaiyo pane security. Munhu wese ari kupinda muRally yeTriple kuStadium ari kutanga aongororwa kuti haana zvinokuvadza zvaanazvo here. Nhasi ZANU PF kana ine zvayakaronga yazviruza. Chikomana Nero chiri kuratidza kuti chiri kumberi kweVatungamiriri vebato riri kutonga.
“Haumboziva kuti Mashurugwi eZanu anogona kutitevera kuno,” anodaro mumwe mutsigiri webato guru rinopikisa uyo ari kutarisa vanhu kuti havana chivanacho chinokuvadza. Havasi kuda kuti zvakaitika kuKwekwe zvidzokororwe. Nokuti musi wa27 March kuRally yekuKwekwe vatsigiri veZANU PF vakarwisa vatsigiri veTriple C ndokuuraya mutsigiri weTriple C uyo akavigwa nezuro.
Tight security: "You never know Mashurugwi eZanu may follow us here," says one security guy. pic.twitter.com/hWJK4UupSJ
— NewZimbabwe.com (@NewZimbabweCom) March 5, 2022