
Mukadzi ane makore makumi maviri nemasere akasungwa muLimpopo nenyaya yake yekuponda murume wake, kwakaitika muna Gumiguru gore rapfuura papurazi riri kunze kweGroblersdal.
Kuferefetwa kwenyaya iyi nemapurisa kwakaburitsa pachena kuti mukadzi uyu nemumwe wake wechikadzi vakarangana kuuraya murume wake. Murume uyu akapfuurwa nepfuti, vaviri ava vakaita kuti zviite sekunge murume airwidzana nemumwe munhu.
Sezvo South Africa Police Service yakaramba ichiferefeta nyaya iyi, Patricia Lee Smith ane 23yrs, uyo anonzi aidanana nemukadzi akafirwa nemurume. Mukadzi wekufirwa nemurume akasungwa musi wa27 Gumiguru. Vakazoburitswa.
Zvinonzi mudzimai wemufi akamboyedza kumuuraya musi wa0 Chivabvu 2020 mushure mekunge aisa mushonga muchikafu. Murume akazoenda kuchipatara uko kwaakanowana rubatsiro ”akadaro Mojapelo.