
Murume wekwaZimunya akaendeswa kudare raChief Zimunya asati amiswa pamberi pedare achipomerwa mhosva yekudashura mombe yemuvakidzani wake.
Murume ane makore 24 uyu akatobatikidzwa pachena achiita lula lula nemombe nemuvakidzani wake.
John Muchiriwesi paakamira pamberi pedare, Mr Langton Mukwengi vakamupomera mhosva iyi pasi peSection 74 of the Criminal law (Codification and Reform)Act, Chapter 9:23
Dare rakanzwa kuti muridzi wemombe akadzisiya dziri ina kumafuro. Kuti mombe idzikame zvinonzi Muchiwiresi, akasunga mombe iyi makumbo maviri kwakutanga kuidashura shure zvakaomarara.
Nkomo paakadzoka kumafuro, akawana mashura ehupenyu hwose apo akawona Muchiriwesi ari pabasa nemombe yake. Muchiriwesi paakaona Nkomo akabva apfeka nhumbi dzake kwakutiza.
Nkomo akaripota nyaya iyi zvakatungamira kusungwa kwaChiriwesi.Kutongwa kwake kuchaitwa Chishanu.
Mudunhu iri hazvitenderwi zvakaitwa nemurume uyu uye anofanira kuripa mombe imwe kunaNkomo.Nkomo chaaave kungoda kuti mombe yake idzoke.
“Ndakamuona achiita lula nemombe yangu. Ngaauye kuzotora mukadzi wake ondiripa nemombe. Chief vanofanira kumupanisha kuti adzidze chidzidzo”, akadaro Nkomo.