
Varipa Dandemudande reTwitter yavo VaChamisa vatizivisa rwendo rwavo rwavakafamba nezuro kunhamo kwavainge vaenda kumutsigiri wavo akaurayiwa nevanhu veZANU PF kuKwekwe svondo rapfuura.
Rwendo rwava Nelson Chamisa rwekuenda kuVungu mudunhu re Midlands kunoviga mutsigiri wavo VaMboneni Ncube, kwabuditsa pachena kuti zvakataurwa neZanu PF ichiti vanhu veCCC vakadzingwa parufu apa manyepo.
Pama photos atatumirwa navaChamisa anoratidza kuti vakatambirwa nemufaro panhamo dzomutsigiri wavo weCCC.
Vachitaura varipa Twitter VaChamisa vati, “Ndanga ndiri kuVungu, Midlands…kurufu rumumwe wedu mutsigiri weCitizen & Change Champion, Mboneni Ncube uyo akauraiwa nevanhu veZANU PF, izvi zvakarwadza munhu wese tichichema iri pamwechete nemhuri yekwaNcube iyi.
Musikana wechidiki wamurikuona pafoto riri pazasi apo anonzi Sibonginkosi anova mwanasikana waMboneni.
Mboneni’s hope for Change is not in vain. RIP champion.


