
Murume ane makore makumi matatu nemasere okuberekwa anobva kuZvishavane anoita zvemshika-shika akazviuraya pakamba yeZvishavane mushure mokunge atorerwa motokari yake.
Tapiwa Manyimo wekuMahlas suburb akanzi afa mushure mokunge achangosvika pachipatara cheZvishavane uko aida kukurumbidzirwa kurutsiswa mushonga waaive anwa.
Chinyorwa chekuzviuraya chakawanikwa muhomwe yetirauzi rake icho chairatidza kuti aive asisawane hope sezvo mukadzi wake aipopota kuti sei aive atorerwa motokari.
Mutauriri mukuru wemapurisa Assistant Commisioner Paul Nyati vakatsigira chiitiko ichi asi vaive vasina zvizere nezvenyaya iyi.
Mapurisa ari kutsvagurudza zvizhinji nezvenyaya iyi. Chiitiko chinosuwisa ichi chakatora nzvimbo musi weMugovera.
Manyimo aive aenda pakamba yemapurisa kuti vanotaurirane apihwe mshika-shika wake waive watorwa.