
_Sad story inKwaZulu Natal_
Mukadzi ane makore makumi mashanu nerimwe akaurayiwa nehanzvadzi dzake mbiri avo vaimupomera huroyi kuUmdumezulu kwaZulu Natal.
Vaviri ava vakaenda kumba kwemukadzi uyu apo aive akarara nevana vake kuUmumezulu.
Maereranano nevaivepo pachiitiko ichi,vanoti varume ava vaipomera mukadzi uyu huroyi.
Vakamuzvuzvurudzira panze pemba kwakumubaya kakawanda nebanga,police spokesperson Colonel Thembeka Mbele vakatsinhira musi weMuvhuro.
Mbele anoti vanasikana vaamai ava vakamhanya kuvavakidzani vavo kuti vawane rubatsiro,pavanodzoka vanowana amai vavo vari mudziva reropa.
Zvakaonekwa kuti vafa pakarepo.Nyaya yehumhondi yavhurwa kuUmbumbulu police station.
Vapari vemhosva vakasungwa vasina kure kwavaenda.