
Murume wekuZimuna asiya court yaka freezer isisina remuromo mushure mekubvuma Mhosva yake ndokunyatso tsanangura nemo nemo kuti arikurepa mombe nekuti vakadzi vese vanomuramba kana akavakanda shoko rerudo saka arikutorarama nekudashura mombe dzevanhu.
John Muchiriwesi (24), anobva kuNehwangura Village iri pasi paSabhuku Zimunya kwaMutare, akamira pamberi pemutongi wedare Langton Mukwengi achipomerwa mhosva yekurara nemhuka. Achibvunzwa nemutongi kuti sei aienda pabonde nemombe, anoti haana musikana.
Achitaura arimudare nezwi riri pamusoro anoti, “Ishe wangu, vasikana vese vandiri kunyenge vari kundiramba. Ndicho chikonzero chirikuita kuti ndifunge zvekuvatana nemombe dzangu, ”adaro achizivisa dare redzimhosva.
Pazuva rimwe chetero, mumhan’ari akaenda kumakura kundotarisa mombe dzake. Akaona John achisunga makumbo emombe pamuti achishandisa tambo. Akabvisa trousers nebhurugwa ndokusvirana nemombe.
John paakaona muridzi wemombe vaNkomo akabva anhonga bhurugwa rake mumaoko ndokutiza.
Achadzoka mudare svondo rinouya kuzotongwa kuzopihwa mutongo wake. — Newsday