
Mwanasikana ane makore 14 akafa svondo rapfuura apo aisununguka pazambara kuBocha,Mutare.
Hama dzaMemory Mavhaya hadzina kuitirwa zvakanaka nemabatirwo akaitwa mwanasikana wavo paJohanne Marange uko Memory aiita minamato.
Alice Mabika akati amai vaMemory vakarambidzwa kuona kuvigwa kwemwanasikana wavo sezvo vakarambidzwa kuita chimwe chinhu uye vaifanira kuchema mwana wavo vakanyarara.
Tiri kurwadziwa pamoyo. Tine shungu mumoyo yedu nemutemo wekereke, anodaro Mabika.
Takarambidzwa kuona kuvigwa kwemwanasikana wedu sezvo takanyararidzwa uye hatina kutenderwa kuudza vamwe vehukama hwedu.
Ndiko kunamata kwacho here kwekutarisa mwana achifa izvo zvipatara zvakazara kwese kwese kudai.
Dai mwana akararama, asi vakuru vakereke vakaramba kuti aendeswe kuchipatara nokuda kwemutemo wavo. Vaitove vakaringa mwana wangu achifa uku vachingorira nendimi.
Mwana akatanga kugwinha achizvirovera musoro pasi panguva yemalabour pains.
Akabva asununguka mwana mukomana iye achibva ashaya akabuda ropa mukanwa nemumhino.
Takarwadziwa zvikurusa nerufu rwomwana weddu uye hatina kutenderwa parufu rwake., anodaro Mabika.
Akavigwa pashrine ipapo uye aive mwana wake wokutanga.
Nemiwo mungati namata shumba ichiuya unorumwa ukafa thats silly mnhu ngaaendeswe ku clinic mhani imi vanhu