
Mumwe murume wekuBulawayo uyo aive panzara yebonde sezvo ainyimwa nomukadzi wake akatanga kuita mashiripiti senzira yokuratidza kusafara.Baba ava vakatanga kuita weti uye madhodhi pamubhedha wavairara nomukadzi wavo.
Memory Ncube anoita seakadhakwa akanyadzisa murume wake Isaac Mpofu muchikumbiro chake chegwaro redziviriro kuBulawayo Civil Court.
Murume uyu akaudza dare kuti aiita izvi nokuti ainyimwa bonde nomukadzi wake.Iyi yaive nzira yokurwadzisawo mukadzi wake.Mukadzi anotiwo aive aneta nokuwacha madhodhi emurume wake.
Mukadzi anoti haamunyime bonde asi anopesana nemurume wake paanouya akadhakwa kumba nokuda kwehunhu hwake hwakafumuka