
Mbavha yemandiriri yekunzvimbo yeNkwalini Line, kuSipepa, mudunhu reTsholotsho inonzi yakakotsira ndokutanga kushona ngonono mumba mayainge yaba mushure mekunge yadya poto mbiri dzaive nechikafu.
Aka kange kave kechipiri mbavha iyi ichiba pamusha uyu.
Taurai Sibanda (36) akawanikidzwa naNjabulo Ndlovu (63) achishona ngonono muimba yekubikira padivi pake paine poto mbiri dzakange dzisisina chikafu icho aiva adya.
Ndlovu anonzi akabva pamba pake nemusi wa13 Ndira 2021 achienda pane rimwe sango riri pedyo achinotarisa madhongi ake aifura kunzvimbo iyi. Paakazodzoka kumba nenguva dza9 husiku, akaona kuti pane munhu ainge apinda muimba yake yekubikira ndokudya chikafu chake chemanheru sezvo poto mbiri dzaaive asiya dzine chikafu dzainge dzakokotwa.