
Muimbi anove zvakare shasha yemitambo yemadhirama – Freddy “Kapfupi” Manjalima – uyo svondo rapera aiiti airwara nemudumbu, anoti ave kunzwa zvakanaka.
Svondo rapera Kapfupi akaudza Kwayedza kuti ainetsekana nemudumbu nekuda kwema”acids” ayo aanoti anomutambudza nguva nenguva zvikaita kuti apedzisire aenda kuchipatara.
“Ndanga ndarwara ini mufunge nekuda kwema’acids’ anogara achindinetsa kazhinji. Pamakataura (kureva munyori uno) neni paye ndaiva kuchipatara ndichitwasanurwa mbabvu dzemudumbu netsinga dzacho muchiongororwa kuti chii. Vanogona vamwe vedu varapi ava, zvakapera zvekuti ndava mushe