
MWANA musikana ava nemakore 22 ekubereka wekwaMurehwa – wekuti akabatwa chibharo nababa vake aine makore 11 ekuzvarwa, asi ndokufurirwa kuti asungise mumwewo murume asina mhosva – anoti ava kuoneswa nhamo nemweya wengozi yemunhu waakapikisa jeri kudzimara afirako uyu.
Musikana watichangodoma nezita rake rekutanga rekuti Zviko uyu – uyo atova mudzimai mukuru nekuti ava nemurume waari kugara naye – anoti akabatwa chibharo achiri mudiki nababa vake asi chokwadi chikavharwa apo akafurirwa kusungisa mumwewo murume. Nekufamba kwenguva, anoti nyaya iyi yakazomhan’ara kumapurisa ekuWaterfalls, muguta reHarare, apo yakafumurwa kekutanga mupepanhau reKwayedza mugore ra2019.
Anoti akabatwa chibharo nababa vake asi ndokuzonyepera kuti akabhinywa nemumwewo murume ainzi Owen. “Ndakabatwa chibharo nababa vangu vekundibereka mugore ra2008 ndiine makore 11 okuberekwa tichigara mumusha weHighfield uko baba vairoja nemudzimai wavo mudiki sezvo amai vangu vakarambwa. Baba vangu (zita tinaro (45) ndi’engineer’ paimwe kambani iri muHarare uye ndinozivisisa kuti ndivo vakandibata.
“Baba vakazoranga nedzimwe hama kuti ndisavasungise ndokuruka zano rekuti ndisungise mumwewo murume wekumusha kwedu uyo aizivikanwa nenyaya dzekubata madzimai nevana izvo ndakaita achibva asungwa ndokunofira kujeri mugore ra2013 achiri kumirira kutongwa,” anodaro Zviko. Anoti mweya waChidhewu unouya kwaari uchitaura kuti unoda kuripwa nekuti akamusungisa asina mhosva. “Izwi remurume uyu rinouya kwandiri richiti wakandiuraisa ndisina mhosva, saka ndinoda kuripwa newe uye kana pasina kuitwa izvozo ndichapedzerana newe. Mweya uyu wave kuita kuti ndiite munyama, pose pandinofamba ndinonzi ndakapinda Satanism, uye izvi zvinotaurwa zvakare kumaporofita kwandinoenda.”