
MURUME wekwaMambo Rwizi, kuMhondoro ari kudemba kuroora kwaakaita mudzimai waaifungira kuti akarambwa nemumwe murume sezvo zvamupinza patsekwende yekubatwa nerunyoka urwo rwamutambudza nekuzvimba sikarudzi yake uye achiperezeka muviri.
VaArtwell Matute (56) vakawanikwa neKwayedza vachitsvaga kubatsirwa paimwe n’anga yekuUnit J, kuChitungwiza vachiti vatambura nekuzvimba kuri kuita sikarudzi yavo nekuda kwerunyoka kana kuti rukawo urwo rwavanoti vakarwutapurirwa nemudzimai wavakaroorwa uyo aimbonge ari wemumwewo murume.
“Dambudziko rekuzvimba nekuperezeka iri zvandinonzi ndezvekuti ndiri kuyamwiwa ropa nemvura uye ndava nemwedzi mitatu zvatanga. Kwandinofamba ndinonzi runyoka ndichikurudzirwa kuti ndiende kumurume aiva akaroora mudzimai wandakazotora nekuti zvinonzi murume iyeyu ndiye akateya mukadzi uyu nemushonga werunyoka,” vanodaro VaMatute.
Murume uyu anoti akazobvunza mudzimai wake, Alice Mutema (49), nenyaya yekurwara kwake kuti aiva abatira runyoka kubva kwaari asi akati aisaziva kuti akagadzirwa zvekuiswa ruzhowa rwerunyoka sezvava kubuda.
“Mudzimai uyu kunze kwekundinzwira tsitsi nekurwara uko ndiri kuita, akatotanga kundipengera achinditi ndamupumha huroyi nekumunanga zvinhu zvaasingazive.
“Ndakaroorana naye mugore ra2017 ndokuita mwana wedu mumwe chete. Ini pandakamutora handina kuziva kuti akanga atiza kumurume uye ndaisazivawo kuti akagadzirwa nerunyoka,” vanodaro.
VaMatute vanoti mudzimai uyu vakangosangana naye muHarare ndokutanga kufambidzana vasingazive kuti aiva nemurume. “Tadanana nemudzimai uyu, ndakanobvisa mari shoma kuvabereki vake avo vasina kumbotaura kuti akaroorwa nemumwe murume. Nyaya iyi yakazobuda ndave kurwara kudai, kwandinofamba ndichinzi ndakatora mudzimai wemunhu akaiswa runyoka. Ndinotonzi ndikarega kunoripa murume iyeyu ndinofa.”
VaMatute vanoti dzimwe nhengo dzavo dzinombokura zvekuenzana nemusoro wavo.
“Izvozvi mudzimai uyu akanditiza nekurwara uku, akaenda kumusha kwevabereki vake kwaChihota nemwana wangu.
Ndakamboendako ndikanotaura nevabereki vake vakanditi vanoda kuti nditange ndabvisa imwe mari yepfuma yeroora kuti ndizokwanisa kutora mudzimai wangu.
“Ndakazovabvunza nezvenyaya yekuti mwana wavo ane mumwe murume waakatiza vakazviramba uye vakagumisira vava kuda kundirwisa kuti ndazvitaurire chii,” vanodaro VaMatute.
Vanoti vanoda kunoripa kumurume wavakatorera mudzimai wake vasingazive uyu asi dambudziko ravo nderekuti havazive kwaanowanikwa uyewo mudzimai wavo haasi kubvuma nyaya iyi.
“Ndangomirira kufa zvangu nekuti mudzimai wangu haasi kuda kundibatsira kuti ndinoonana nemurume aimbenge akamuroora. Ndakazvipira zvangu kunomuripa nezvaanoda, ndinobatsirwa nehama dzangu pane kufa ndakatarisa,” vanodaro VaMatute.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemudzimai wemurume uyu sezvo achinzi haana nhare kumusha kwaari.
“Ndatambura, ndinokumbira kumurume wemudzimai uyu kuti andiregerere ndakadanana nemudzimai wake ndisingazive saka ndinomuripa kuti ndikwanise kurarama,” vanodaro VaMatute.
Murume uyu anoti zvisinei nekuti akapihwa runyoka nemudzimai uyu, anoramba achimuda zvakadaro nekuti ndiye akaita kuti arware.
“Mudzimai uyu ndinomuda nekuti ndikamuramba hapana mudzimai achandida nedambudziko rerunyoka randava naro. Ndikafa ndiye achandiviga, chandinoda kuonana neaiva murume wake ndimuripe,” vanodaro VaMatute.
Sekuru Amos Kafera (72), avo vanova n’anga, vanoti kupora kwaVaMatute kunonetsa kana vasina kuripa murume wavakatorera mudzimai uyewo nekuramba vachidanana nemudzimai uyu.
“Murume uyu maitiro ake anonetsa nekuti ari kuramba achidanana nemudzimai uyu, zvakare anofanirwa kuonana nemurume wekutanga wemudzimai uyu anova akamuisa runyoka. Ndiye bedzi anoita kuti zvipere,” vanodaro.