
Mumwe mudzimai anozviti ihûré akatsamwa zvisingaiti mushure mekunge murume waakabvumirana kuita bonde naye kwenguva pfupi atadza kutevedzera murairo waakanga ataura. Princess Nyathi ane makore 26 anoti akakechiwa naTakunda Dube (22) uyo aiva nemari shoma ndokuwirirana kuti aisazosvika panguva yekuti arase hurume hwake.
Zvisineiwo, Dube akatadza kuzvidzora ndokubva arasira mbeu muchîbéko chaNyathi izvo zvakaita kuti Nyathi agumbuke kwave kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Achitaura mudare, Nyathi akati, “Dube aida kuita bonde neni kwenguva diki ndikamuudza kuti abhadhare US$10 asi akachema chema achiti ane US$5 chete. Takabva tawirirana kuti haaizorasira mbeu yake mandiri. Ndakamuudza kuti achirega paainge ave kuda kurasa mbeu iye ndokuita nharo achiramba kuburuka. Ndakamuudza kuti achiwedzera mari iye ndokuramba.”
Nyathi akatizve mushure mechiitiko ichi akabuda panze uye paakadzoka US$20 yake yakanga isisipo. Paakabvunzurudza Dube kuti mari yake yaive kupi, akabva amurova. Nyathi akaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikazoita kuti Dube asungwe.
Dube akamiswa pamberi pemutongi wedare ramejasitiriti mudunhu reBulawayo Dambudzo Malunga nemhosva mbiri dzekuba nekubata chibharo, akaramba mhosva dzose dziri mbiri idzi. Akazonzi haana mhosva mushure mekutongwa kwakazara.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?