
Varairidzi vati hurumende inofanira kugara pasi newose ari muchikamu chedzidzo vasati vataura zuva rokuvhurwa kwezvikoro.
Hurumende yave pedyo kutaura zuva rokuvhurwa kwezvikoro,asi vhiki yapera yakuburitsa Statutory Instrument (SI)210 of 2021 ichiti zvikoro zvicharamba zvakavharwa kusvika musi wa10 Nyamavhuvhu.
Muchinyorwa chemusi wa6 Nyamavhuvhu 2021 chakanyorerwa Primary and Secondary Education ministry,the Progressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) secretary general Raymond Majongwe vakati vaifanira kumbotaura nyaya iyi pamwechete zvikoro zvisati zvavhurwa.
Majongwe akati kuvhurwa kwezvikoro muvhiki yetatu yaNyamavhuvhu hakwaibatsira sezvo vana vaizongodzidza nguva diki.
“Tiri kuzviziva kuti pane mwinyi mwinyi nezvekuvhurwa kwezvikoro,zvese panzvimbo uye nokutenderedzwa padandemutande.Pane matanho ari kufanira kutorwa zvikoro zvisati zvavhurwa,asi kuda vhiki yetatu yaNyamavhuvhu”,Majongwe anodaro.
Gadziriro yehurumende haisati yanyatsokwana sezvo matemu edu angangove madiki pazvichangovhurwa.Pano takuda kuwirirana kweministry uye nevamiriri vevarairidzi kuti tionesane.
Majongwe akati matanho anotorwa anofanira kunge akachengetedza varairidzi uye vana vechikoro kudenda irori reCovid.
Majongwe anoti varairidzi havasi kuda hondo nehurumende,uye kutaurirana kuripo kuri kufanira kubatsira dzidzo yevana iyo yaondongwa.Kuvhurwa kwezvikoro kwatove pane chimwe chinanho chepamusoro.