
NGOZI yemudzimai wekwaMambo Zimunya, kwaMutare — uyo akauraiwa nemwanakomana wake mukuru — yamuka chibhebhenenga uye kusvika pari zvino yauraya vanhu 50 vemumhuri iyi. Ava makore 44 mhuri yekwaMujaji isiri kuwana rugare nekuda kwemweya wengozi yaMaeni Kuzipa uyo ari kuda kuripwa.
Bayai Oswald Mujaji, uyo akashaya kare, ndiye anonzi akauraya amai vake nechinangwa chekuti arombe mishonga ine chekuita nekuwana upfumi mushure mekunge audzwa kuti aite izvi neimwe n’anga. Muzukuru waBayai, Moses Mujaji, anoti pari zvino vanhu 50 vafa nekuda kwengozi iyi uye mhuri yose yekwaMujaji inogona kupera kana nyakupondwa akasaripwa.