
Mufi Never Tokoda uyo akashaya makore 30 apfuura mweya wake wakataura kuburikidza nasisi vake Mobility Sibanda kuti akaurairwa mukadzi waaidanana naye akavigirwa kuBulawayo.
Mweya wemushakabvu unonzi waishungurudza Sibanda uye hauna kuwana rugare kubva paakapondwa makore apfuura.
Mumwe wemumhuri iyi akati pavakanobvunza Prophetess Muchaneta Dzama (36) uyo akaburitsa pachena kuti Tokoda akaponderwa musikana ndokuvigwa kuBulawayo.
Sibanda (40) nedzimwe mhuri dzaisanganisira Hansen Mudzuri (49), Amigo Chivasa (50), Ndafa Muchono (59) naProphetess Dzama vakabatana maoko ndokufamba kubva mumusha weMashoko muBikita kwaSabhuku Muzungunye, mudunhu reMasvingo, kunofukunura masarasara emufi.
Mukuita kuti mweya wemufi uyu uzorore Mhuri iyi inoti yakatungamirwa nemweya kuenda kuNkulumane High School kuBulawayo .
Mutumbi wemunhu uyu waive wakavigwa kuseri kwenzvimbo yekudzidzira .
Vakakwira fenzi kuti vakwanise kuensa pachivanze chechikoro ichi,mweya wakaratidza kubudikidza naSibanda kuti mukoma wake akavigwa 400 metres kuseri kwechimbuzi.
Mweya uyu unoti wakavigwa pachikoro apa akapfuurwa nemurume aive nezita rekuti Ndlovubzvichitevera kukakavadzana nekuda kwemukadzi.
Mushure meizvozvo vakaenda kukamba yemapurisa yeTshabalala kunokumbira mvumo yekufukunura zvisaririra zvehama yavo.