
Nhasi pashoko riri kuparidzwa naEvangelist Muparinga varikupa muenzaniso wevanhu vanoshevedzera pamakombi kuti vanodeedzera kuri kuenda kombi kwete mari inodiwa kuenda kunzvimbo iyoyo nokuti ivhangeri remukati.
Nyaya yekuenda kudenga haisi yekuti munhu arikutya gehena asi kuti ari ku-appreciater basa rakaitwa naJesu pamuchinjikwa. Mwari havana kuti endai munoudza vanhu nezvekupisa kwemoto pamwe nekuoma kwakaita nzvimbo yacho asi kuti mabasa akanaka akaitwa pamuchinjikwa kuitira kuti ani nani anotenda agoponeswa.
Inzwa shoko rakanaka iri pa-audio iri pano unyatsobatisisa mashoko aya kuti ugowana ruzivo maererano nekurarama hupenyu hwakanaka.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?