
Zviri kumbofamba sei munyika? Kutaura kuno pane nyaya iri kutsviriridza yaMemory Machaya uyo aive akaroodzwa achiri mudiki. Vanhu tiri kutemeswa musoro nenyaya iyoyi heyoyi imwezve yemwana ane makore 13 aroodzwa zvakare. Pakaipa pakaipa ngatinzwei nyaya iri kutevera
_*H-Metro Breaking News*_Mukadzi wekuEastview amanikidza mwana wake ane makore gumi nematatu kuroorwa mushure mokumubatikidza achidashurwa sinhi nomukomana wake.
Amai vane makore makumi mana nematanhatu avo vane vanasikana vanomwe vakatogashira roora yemwanasikana wavo ariGrade Seven kubva kuna Munyaradzi Gwari uyo ane makore makumi maviri. Zvakaitika mushure mokunge vavabata vachiita lula-lula svondo rapfuura.
Amai vakamanikidza mwanasikana wavo kuroorwa sezvo vaive vabatikidza vaviri ava vari pamutambo mukuru.
“Ichokwadi mwanasikana wangu akugara naMunyaradzi somukadzi wake mushure mokuvabatikidza vachiita lula-lula uye handina kuzotendera mwana wangu kupinda mumba sezvo aive arasikirwa nehumhandara hwake, “vanodaro Amai vemusikana.
“Dai isiri nyaya yekurasikirwa nehumhandara hwake, handaimbomuroodzesa sezvo achiri mwana wechikoro.
“Mukomana akabvuma kuroora uye pane imwe nguva akamubhadharira mari yechikoro asi nezuro ndakanetsana nemwana wangu mushure mokukoka shamwari dzake kumba kwake.
“Ndakaendako ndikamuudza kuti wave mukadzi mukuru saka zvetushamwari twake asiyane nazvo, ipapo ndipo paakaramwa akatiza pamba.
“Takapedza husiku hwose tichimutsvaga naAmwene vake asi takazomuona Chipiri mangwanani.
“Takanderana naAmwene vake kuti vaviri ava vagare somukadzi nomurune uye tsvakirai kuno yakatouya.
“Panyaya dzechikoro vanofanira kuona kuti aenderera mberi”, Amai vemusikana vanorondedzera.
Musikana akaudza H-Metro kuti Amai vake vakatendera Munyaradzi kuti abhadhare mari yechikoro uye kutenga mauniform vasati vamupinza muwanano inoshata kudaro iyi.
“Ndiri Grade Seven uye ndiri kusvitsa makore gumi nemana musi wa22 Zvita, akadaro. “Amai vangu vakaziva nezvekufambidzana kwangu naMunyaradzi uye vakamuyemura.
“Svondo rapfuura Amai vangu vakandiona ndinaMunyaradzi uye vakatsamwa zvikuru vakaraira ndiende naye. “Vakazopihwa tumari tushoma asi hey magariro acho akaoma, anovava nekuti Munyaradzi wacho already haachaona runako rwangu akutotarisa vamwe vasikana,” akadaro musikana uyu.
Munyaradzi anoti haazive kuti imhosva kuroora musikana ane makore iwaya. Handina kumanikidzwa kuroora asi zvaive mumusoro.
Amai vaMunyaradzi avo vane makore makumi mana nematanhatu vakataura kuH -Metro kuti vaisada muroora wavo pedyo nevavakidzani vavo sezvo vaingohumana.