
Mwana wechikoro weForm 4 wekuGweru akawanikwa svondo radarika akarembera padenga remba yavo yekuMkoba.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Emmanuel Mahoko, ndiye akataura nezvenyaya iyi.
“Mapurisa ekuGweru ari kuferefeta nyaya yekufa, Kwemumwe mwanasikana anemakore 16 akawanikwa akarembera padenga remba muMkoba, KuGweru. Chiitiko ichi chakaitika nemusi wa14 Chikumi 2021 masikati.
Mahoko akati mutumbi waCharlene Marobana wakawanikwa nehanzvadzi yake yichidiki.
“Zvinonzi Charlene Anesu Marobana mudzidzi weForm 4 paProgress College kuMkoba 14, Gweru akazvisungirira pamatanda edenga achishandisa tambo yemagetsi. Mutumbi wakaonekwa nehanzvadzi yake yechidiki uyo akazivisa amaiguru vake nezvechiitiko ichi, ”akadaro mutauri wemapurisa.
Mapurisa haasati awana chikonzero chekuzviuraya asi achifungidzira kuti wechidiki aive nezvaimumetsa.
“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa. Mutumbi wakaendeswa kumochari kichipatara cheGweru province wakamirira kuongororwa. Zvinonzi wechidiki uyu anogona kunge akafunga kutora hupenyu hwake nekuda kwematambudziko aakatadza kubata. Ngatidzidzei kuudza vamwe matambudziko anenge achitinetsa nekukumbira rubatsiro kubva kune vamwe.