
Mapurisa arikutsvaga munhu akaita chitsotsi anonzi, Malven Chimutashu uyo ane makore (40), akatengesa motokari itsva yeMercedes Benz C200 neUS$33 000 iyo yakanga isina kana magwaro aidiwa kuti inyoreswe uye yakatorwa neZimra asi iye ndokubva anyangarika iri mumaoko emapurisa.
Chimutashu akabva anyangarika iye zvino mapurisa haachamuoni, ari kukumbira chero ani zvake munhu angavabatsira kumuwana azivise mapurisa ari pedyo navo.
Muna 2019, Ionna Kiki Georgias, mwanasikana weaimbova mutevedzeri wegurukota, Aguy Clement Georgias, aitsvaga motokari yeMercedes Benz kuti atenge uye akaendeswa kuna Chimutashu uyo akamuratidza C200 yacho isina number plate uye akati aida kuitengesera US$33 000.
Muzvare Georgias vakabvuma kutenga motokari iyi vachibva vabhadhara mudemhe mudemhe katatu, US$10 000, US$18 000 neUS$5 000 kuna Chimutashu uyo akabva avapa motokari.
Mushure memazuva mashoma, Chimutashu anonzi akabva amupa manumber ekunyepa. Asi ongororo yakaitwa yakaratidza kuti motokari iyi yakanga isina kunyoreswa muZimbabwe sezvo yakaunzwa ichishandisa temporary import permit uye yakatorwa neZimra.
Muzvare Georgias vakanomhan’ara kumapurisa ayo akazosunga Chimutashu asati amiswa pamberi pematare.
Paitongwa, Chimutashu akabva anyangarika uye gwaro rekuti asungwe rakanga rabuda.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vari kumutsvaga nemaziso matsvuku.
“ZRP iri kukumbira rubatsiro runogona kuita kuti Malven Chimutashu ane makore (40) asungwe, uyo anonzi kero yake yekupedzisira inoti 27 Colne Brook Lane, Borrowdale, muHarare. Musungwa ari kutsvagwa nemapurisa panyaya yechitsotsi yakaitika muna Chivabvu 2019 kuBorrowdale, muHarare,” vanodaro.
Ane ruzivo rwunoita kuti asungwe anogona kubata mapurisa ari pedyo naye kana mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, Detective Inspector Makanyisa panhamba dzinoti 0772967155 kana Officer-in-Charge CID VTS Harare panhamba dzinoti 0242-660400/661889/665524 kana National Complaints Desk panhamba 36342703024270302427. — Herald
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?