
Vagari vemumusha weChiutani kuChimanimani nenzvimbo dzakapoteredza vakasara vasina simba, mumwe mukadzi wechikuru akaburitsa pachena kuti aimanikidza muzukuru wake kuyamwisa nyoka.
Nyaya iyi yakabuda pachena kudare raSabhuku Saurombe apo Gogo Dalice Dzamura vakashevedzwa kuti vapindure huroyi hwavaipomerwa nemuzukuru wavo, Portia Dzemura.
Gogo Dzemura vakabvuma kuti vairoya uye vaimanikidza muzukuru wavo, Portia, kuyamwisa nyoka.
Gogo ava, avana kuburitsa chikonzero nei vaimanikidza Portia kuyamwisa nyoka.
Sabhuku Saurombe vakavawana vaine mhosva vakavaudza kuti vabhadhare ‘find’ yembudzi nhatu.
Varapi vechivanhu vatatu pamwe nevanodzinga madhimoni vachazoita mitambo yekuchenesa Gogo Dzemura naPortia.
Panguva yedare iri, Portia akange achisvimha misodzi apo airondedzera nhamo yake.
Amai vake vakataura nezvekuti sei mwanasikana wavo ave kusarurwa munharaunda mavo.
Takambonzwa nezvenyaya dzeuroyi kumberi, asi iyi inoshamisa. Tinovimba kuti nyaya iyi ichatongwa zvinoita kuti mwanasikana wangu asunungurwe kubva muhusungwa uhu.
“Mwanasikana wangu anotarisira kuroorwa uye kuva nemhuri yake. Varume vazhinji vava kumutiza nekuda kweizvi. Avo vanga vari pedyo naye vava kuzvibvisa paari, “vakadaro amai vaPortia.
Muhurukuro, Sabhuku Saurombe vakati nyaya iyi inoshamisa uye inotyisa.
“Portia akasvika kumatare edu achiburitsa pachena kuti ari kumanikidzwa kuyamwisa nyoka iyo inoonekwa ichinyangarika. Akaburitsa pachena kuti mukaka unobuda mumazamu nyoka iyi painenge ichiyamwa.
“Gogo Dzemura vakareurura kuti vanoroya nekukonzera mashura mumusha. vanoti aimanikidza Portia kuyamwisa nyoka iyi.