
Musikana ane makore (13) anobva kuWarren Park suburb akashaikwa vhiki rapfuura akawanikwa aine zvinodhaka uye akabatwa chibharo nevarume vaviri kuWadzana.
Musikana uyu akawonekwa nabhudhi nasisi vake mushure memazuva (6) musiwe Saturday kuWadzana 2 uko kwaaipiwa zvinodhaka nekubatwa chibharo.
Musikana uyu akabva pamb achienda kunotamb neshamwari dzake musiwa 23 August 2021 na3pm akanonoka kudzoka kumba munguva dza5pm.
Inspector Mwanza vanoti zvinozivikanwa kuti haana kudzokera kumba kwavo nekuti aitya amai vake avo vaanogara navo.