
Zihlobo Moyo aiuya nevasikana pamba usiku uye opomera baba vake Syril Moyo kuti havana kunge vasiira iye chikafu.
Aibva azobika pakati pehusiku achiita ruzha nemudiwa wake, achimanikidza dzimwe nhengo dzemhuri kuti dzimuke.
Dzimwe nhengo dzemhuri dzichigunun’una, Zihlobo aivapomera kuti havana kumusiira chikafu.
Akashatirwa izvo baba vake vaizotarisana naye asi iye aipuruzira muhomwe yake otora banga ndokurodza achityisidzira kupedzisa baba vake.
Baba vake vakaedza kubata tete vake kuti vataure naye asi havana kukwanisa kugadzirisa.
Syril aifanira kunyorera gwaro rerunyararo pamwanakomana wake akatsauka.
“Ndinonzi Syril Moyo. Ndiri kukumbira gwaro redziviriro kumwanakomana wangu Zihlobo Moyo. Ane tsika yekundishungurudza pamwe nevana vangu. Pese paanouya achibva kudoro akadhakwa aiuya nevasikana vakasiyana uye aindipomera kuti handina kumusiira chikafu. Aindituka obva abata-bata muhomwe yake otora banga ndokurodza achityisidzira kuti achandibaya nebanga kana ndikamurova . Ndatarisana neruzivo rwakashata kweinopfuura mwedzi. Dai dare iri randipa gwaro redziviriro kwaari, ”akadaro Syril.