
Desire Mungoma uyo anodzidza paGreat Zimbabwe University akawanikwa akafa aine mushonga unouraya padhuze nepamba pavo muAshdown Park
Mhuri yake yanga ichakamirira post moterm kuti vakwanise kuzomuviga.
Izvi zvakaitika mushure mekunge musikana wake Paula aramba Desire. Mai vacho vakafonera musikana kuti vabvunze zvakaitika uye Paula akavaudza kuti ,ndakaudza Desire kuti handichakwanise kuenderera Mberi nekudanana naye iye Desire akamuti ndikuzviuraya.
Mai vakashungurudzika ,ndiye anga ari mwanakomana wavo mumwechete uye vanga vakazviti vachasiya basa kana Desire apedza chikoro chake.
“Ndakatanga kumutsvaga neMugovera kubva na10am kusvika na6pm ndipo pandakaisa pawhatsapp,” amai vakadaro