
Mwanasikana ane makore (6) akatsvira mumba kuTsholotsho, Matebeleland North.
Chiitiko icho chakaitika kuBubude Line kwasabhuku Gambu musi weSaturday.
Matebeleland North Police Spokesperson Inspector Glory Banda vanotaura chiitiko ichi.
“Takanzwa nyaya yemusikana akafira muimba yekubikira iyo yakabatira nemoto,” Inspector vanodaro.
Inspector Banda vanoti mwana uyu akasiiwa achitamba neshamwari dzake mushure mekunge amai vake vaenda kuchipatara kunobaiwa ma-injection evaccination.
Vana ava vakasara vakaenda kunotamba padzimba dzisingashandiswe munzvimbo iyi.
Inspector Banda vanoti mwanasikana uyu akapinda muimba aine bhokisi rematches achisiya shamwari dzake dzichitamba, akabatidza uswa hwaive hwakaoma hwaive pasi muimba iyi, imba yese yakatanga kubvira, akatadza kubuda nekuti panga pasisina pekubuda napo.
Shamwari dzake padzakaona izvi, dzakatanga kushevedzera dzichikumbira kubatsirwa asi pakashaya akauya. Shamwari idzi dzakamhanya kumba kunotsvaga vanokwanisa kubatsira vachisvika vakaona mubereki wemwana uyu aripo, Vakadzokera kunomubatsira asi vakaona afa.